|
Tichikuchingamidzai pa page rimakuhwa pa AfroZimRadio.Pandima ino tinenge ti chitaura zvese zvatakaona mavhiki akapfuura apo zvaitwa ne vana ve Zimbabwe ne Africa. Vanenge vachida makuhwa manyatso svika pa mushe wadzo.Kana tava pandima ino handimbomira zvese tino rotomuka.
Vhiki rino ndakabatwa ne zvinhu zviiri kubva kwandaifamba mudzimba nemumabhahwa kana kuchechi kwese kwevana veZimbabwe. Chekutanga ndichiti makorokoto kuna Prudence Mabhena uyo anoimba nechikwata che Liyana band, akawana menduru ye Oscar mu documentary inonzi 'music by prudence' Zimbabwe yese yakapemberera kunge yanhonga roro mubhutsu yamugabe, kubva kuna Prime Minister Tsvangirai ku facebook kusvika kunana hwindi pamusika wembare tese takapemberera..vamwe vaiti viva Zimbabwe, vamwe vatichasa kuura nemazita vakaita kubvisa mabhurugwa vakafamba nzira yese ma thong ari panze, mu diaspora ne chando chino hamheno kuti vakapona sei. Asi zimbabwe yese yakafara. Asi ini ndine chigumbu chimwe chete hangu, vana ve Zimbabwe vanofarira kudya zvaibva chete pakurima unenge uri wega wega.
80% ye Zimbabwe yese yanga isingamboziva kuti Prudence Mabhena ndiani before atambira menduru yake ye Oscar. Havamboziva kuti Prudence uyo akashupika sei kuti asvike paari ipapo ne disability yake. pamwe akambo pfuura ne pamba penyu achikumbira mari na mvura chaiyo , imi ndokupopota mukamunyima . nhasi uno ashingirira aita zvinodadisa, mavakupembera nenyika yese ma thong ari panze muchiti viva Zimbabwe, maiona here Zimbabwe, nyika yeropa.. imi ehe imi munozvi ziva unongodya yaibva , pakurima muri kunzwa musana.
Vakadzi vekuZimba vanokubata kwiyo
Gore rino mashura andakaona, kana sadza ndakatadza kudya ini, rakagumira pahuro rikadzokazve mukanwa. Vakadzi veZimbabwe gore rino vandishamisa, ndakadhuuu kufunga ndiri ndega ndikapedzesera ndapwatika kuseka nhamo. Hanzi munyika yedu ye Zimbabwe zvakutyisa kuti varume vafambe pakati pehusiku nenyaya ya tyika zimbabwe yese. Hanzi kwaka onekwa vakadzi vari kuita basa rekubata kwiyo varume vevanhu pakati pehusiku.
Rema nyerekupe raiti vane vakadzi vanenge vashanu vanonyangira varume pakati pehusiku.kana vaona murume achifamba ega pasina vanhu vanomujambira , vobatirana kusvika vamuendesa kuchizvumbu kusina vanhu. Vasvika ikoko hanzi vanomupa poriji rakasangana nemushonga unoita kuti kasekuru kari pakati pemakumbo kasimudze musoro chero murume achiedza panogona kuramba. Kana vaona kuti chombo chemurume chamira kuti twii , ndipo pavanoita majana kugadha murume uye, kunge mudhara we ku indasitiri akagadha bhasikoro achimhanyira kumba ne nzara.
vakadzi vaye vanosvika kwaedza vachingokwira chete, kusvika murume apera mafuta. Izvi zvakaonekwa kunzvimbo dzakawanda kuzimbabwe. Vamwe varume vari kutonyara kuenda kuno reporta nyaya kumapurisa vachitya kuti vanosekwa gore rese. Mumwe murume akaita chivindi chekuno reporta nyaya iyi kumapurisa akaonekwa nevafambi, vakati murume uyo ainge adhumwa ne chitima , uyezve aifamba achigamina.
Saka kune vese varume vanobva kumabhahwa makadhakwa motofamba makachenjera , kunze kwaipa uko. ndakataura nekamwe kadhara kanoshopera, nenyaya yacho ndambokatengera two scuds kakati chizukuru ndosaka gore rino mvura isiri kunaya nemashura ayo. hanzi gore rino mwari akatifongorera .
ndakazvibvunza ini kuti sei vakadzi vari kutamba iyo, pamwe varume mudzimba umo havasi kuita mabasa avo nemazvo , vari kusiya vakadzi munzara. kana uri kurume uchiverenga kana wasvika kumba nhasi uite basa se basa Write Comment (0 comments) |